Psalms 52

Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. Dhoegi muEdhomu paakanga aenda kuna Sauro akamuudza kuti: “Dhavhidhi aenda kumba kwaAhimereki.”

1Ko, unozvikudzirei pane zvakaipa, iwe murume wesimba?
Unozvikudzirei zuva rose,
iyewe unonyadzisa pamberi paMwari?
2Rurimi rwako runofarira zvokuparadza;
rwakaita sechisvo chakarodzwa,
iyewe unogara uchingonyengera.
3Unoda zvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka,
kureva nhema pachinzvimbo chokutaura chokwadi. Sera
4Unoda shoko rimwe nerimwe rinoparadza,
iwe rurimi runonyengera!

5Zvirokwazvo Mwari achakuburutsira kukuparadzwa kusingaperi:
Achakubvuta agokubvisa mutende rako;
achakudzura kubva munyika yavapenyu. Sera
6Vakarurama vachazviona uye vachatya;
vachamuseka vachiti,
7“Houno zvino munhu asina kuita Mwari nhare yake,
asi aivimba nepfuma yake zhinji,
uye aisimba nokuparadza vamwe!”

8Asi ini ndakaita somuti
womuorivhi unokura zvakanaka mumba maMwari;
ndinovimba norudo rusingaperi rwaMwari,
nokusingaperi-peri.
9Ndichakurumbidzai, nokusingaperi nokuda kwezvamakaita;
ndichavimba nezita renyu, nokuti zita renyu rakanaka.
Ndichakurumbidzai pamberi pavatsvene venyu.
Copyright information for SnaBDSC